Scripture Stories
Chitsauko 34: Hiramani neVarwi Vechijaya Zviuru Zviviri


Chitsauko 34

Hiramani neMajaya eVarwi Zviuru Zviviri

Mufananidzo
varindi parusvingo

Vanhu vaAmoni vakanga vavimbisa Mwari kuti havaizombofa vakarwa zvakare. Vaigara pedyo nemaNifai, uye maNifai aivadzivirira.

Mufananidzo
varume vachitaura naHiramani

Apo vavengi vevanhu vaAmoni pavakarwisa maNifai, vanhu vaAmoni vakada kutyora vimbiso yavo uye vobatsira maNifai kurwa.

Mufananidzo
Hiramani achitaura kuboka

Hiramani nevamwe vatungamiri vechiNifai vakanga vasingadi kuti vanhu vaAmoni vatyore vimbiso yavo kuna Mwari.

Mufananidzo
vanakomana vevanhu vaAmoni

Vanakomana vechidiki vevanhu vaAmoni vakanga vasina kuita vimbiso iyi. Vaida kubatsira mauto echiNifai kurwira rusununguko.

Mufananidzo
varwi zviuru zviviri

Zviuru zviviri zvemajaya echidiki aya zvakasarudza kudzivirira nyika yavo. Vakakumbira Hiramani kuti ave mutungamiri wavo.

Mufananidzo
varwi vatatu

Majaya echidiki aya akanga akashinga, vasingatye, uye vakasimba. Vaivawo vari pachokwadi uye vakavimbika, uye vaichengeta mirairo yaMwari.

Mufananidzo
Hiramani nevarwi

Hiramani akatungamirira varwi vake vechijaya zviuru zviviri kuenda kuhondo. Aivadaidza kuti vanakomana vake, uye ivo vaimudaidza kuti baba vavo.

Mufananidzo
Hiramani achitungamirira varwi

Kunyangwe zvavo vanakomana vaHiramani vakanga vasina kumborwa, vakanga vasingatye. Vana amai vavo vakanga vavadzidzisa kuva nerutendo muna Mwari uye kuziva kuti vaizovabatsira.

Mufananidzo
varwi vachirwa

Hiramani nemauto ake vakarwisa maRamani muhondo dzakati wandei. Majaya echidiki aya akateerera rairo dzaHiramani dzose.

Mufananidzo
varwi mushure mehondo

Vakarwa neushingi uye vakabatsira kudzingira muvengi kure. Mushure mehondo Hiramani akaona kuti vanakomana vake vose vakanga vakuvadzwa asi hapana kana mumwechete akanga auraiwa.

Mufananidzo
Hiramani nemurwi

Chaiva chishamiso Hiramani akafara zvikuru. Aiziva kuti majaya echidiki aya akanga adzivirirwa nokuda kwerutendo rwavo rukuru muna Mwari.