Scripture Stories
Chitsauko 21: MaAmurisai


Chitsauko 21

MaAmurisai

Mufananidzo
Amurisai nevateveri vake

Amurisai akanga ari murume akachenjera, akaipa uyo aida kuva Mambo wemaNifai. Aive nevateveri vazhinji.

Mufananidzo
vanhu vachitarisa Amurisai

MaNifai vakarurama vakanga vasingadi kuti Amurisai ave mambo wavo. Vaiziva kuti aida kuparadza Chechi yaMwari.

Mufananidzo
MaNifai vachitaura

MaNifai vakaungana muzvikwata zvakasiyana siyana kuti vagosarudza kana Amurisai aifanira kuva mambo. Vanhu vazhinji havana kusarudza Amurisai, uye haana kuva mambo.

Mufananidzo
Amurisai nevateveri vake

Amurisai nevateveri vake vakashatirwa. Vakasiya maNifai, vakaita Amurisai mambo wavo, uye vakazvidaidza kuti maAmurisai. Amurisai akaraira kuti varwise maNifai.

Mufananidzo
MaNifai achigadzira miseve

MaNifai akarurama vakagadzirira kuzvidzivirira neuta nemiseve, minondo, nezvimwe zvombo.

Mufananidzo
MaNifai vachikunda maAmurisai

MaAmarisai vakanorwisa, uye maNifai, ayo aitungamirirwa naAruma uye akanga asimbiswa naIshe, akauraya vazhinji vawo. MaAmurisai ose asina kuuraiwa akatiza.

Mufananidzo
Vasori vaAruma vachiwongorora maAmurisai.

Aruma akatumira vasori kuti vanowongorora maAmurisai. Vasori vakavaona vachibatana neboka guru remauto echiRamani vachirwisa maNifai vaigara pedyo neZarahemura.

Mufananidzo
MaNifai achirwisana nemauto echiRamani- Amurisai

MaNifai vakanamata, uye Mwari vakavabatsira zvakare. Vakauraya masoja mazhinji echiRamani-Amurisai.

Mufananidzo
Aruma achiuraya Amurisai

Aruma naAmurisai vakarwisana neminondo. Aruma akanamata kuti upenyu hwake huchengetedzwe, uye Mwari vakamupa simba rekuti auraye Amurisai.

Mufananidzo
hondo

MaNifai vakadzinganisa maRamani nemaAmurisai kuenda murenje. Vazhinji vevakanga vakuvara vakafa ipapo uye vakadyiwa nemhuka dzemusango.

Mufananidzo
MaAmurisai vachiisa mucherechedzo pamhanza

SemaRamani, maAmurisai vakazviisa mucherechedzoweruvara rwutsvuku, izvo zvakazadzikisa huporofita. MaAmurisai vakanga vazvipatsanura kubva kumakomborero evhangeri.