Scripture Stories
Chitsauko 49: Mormoni neDzidziso Dzake


Chitsauko 49

Mormoni neDzidziso Dzake

Mufananidzo
zvikwata zviviri zvevarume

Makore mazhinji mushure mekunge Jesu Kristu ashanyira maNifai,chikwata chidiki chevanhu chakasiya Chechi ndokuzvishevedza kuti maRamani.

Mufananidzo
chikwata chichitaura

Pekupedzisira vanhu vose vakave vakaipa,zvese maNifai nemaRamani.

Mufananidzo
Amaroni achiviga zvinyorwa

Murume akarurama , Amaroni aive nezvinyorwa zvinoera. Mweya Mutsvene wakamutaurira kuti azvivige kuti zvigochengeteka.

Mufananidzo
Amaroni achitaura naMormoni mudiki

Amaroni akaudza Mormoni, mukomana aive nemakore gumi, paive pakavigwa zvinyorwa. Amaroni aiziva kuti aikwanisa kuvimba naMormoni

Mufananidzo
Amaroni naMormoni

Paakange ave nemakore makumi maviri nemana, Mormoni aifanira kutora mahwendefa aNifai kuti anyore paari nezvevanhu vake.

Mufananidzo
MaNifai nemaRamani vachirwisana

Apo Mormoni paaive nemakore gumi nerimwe, hondo yakatanga pakati pemaNifai nemaRamani. MaNifai akakunda, uye pakava nerunyararo zvakare.

Mufananidzo
Vanhu vachinwa

Asi MaNifai akanga akaipa zvokuti Ishe vakatora vadzidzi vatatu, izvi zvikakonzera kupera kwezvishamiso nekuporeswa. Mweya Mutsvene wakange usisatungamiriri vanhu.

Mufananidzo
Mormoni

Apo Mormoni paaive nemakore gumi nemashanu Jesu Kristu akamushanyira. Mormoni akadzidza zvakawanda pamusoro peMuponesi nekunaka kwake.

Mufananidzo
Mormoni akatarisa varume vaviri

Mormoni aida kuparidza kuvanhu, asi Jesu akamuudza kuti aregedze nekuti vanhu vacho vakanga vakaipa zvakakomba. Mwoyo yavo yaive yakafuratira Mwari.

Mufananidzo
Mormoni semutungamiriri wemauto

Nenguva pfupi imwe hondo yakatanga. Mormoni aive nemhumhu wakakura uye akasimba, uye maNifai vakamusarudza kuti atungamirire mauto avo.

Mufananidzo
Mormoni achitaura kumauto

MaNifai akarwisana nemaRamani kwemakore mazhinji. Mormoni anoedza kukurudzira vanhu vake kuti varwire mhuri dzavo nedzimba dzavo.

Mufananidzo
hondo

MaNifai vakange vaipa, zvekuti Ishe aive asisakwanisa kuvabatsira.

Mufananidzo
Mormoni achitaura nevarume

Mormoni akataurira maNifai kuti vaizoponeswa chete kana vakatendeuka nekubhabhatidzwa. Asi vanhu vakaramba.

Mufananidzo
Mormoni akatarisa mauto

Vaizvitutumadza pamusoro pesimba ravo, vachiti vaizouraya maRamani ose. Nekuda kwehuipi hwemaNifai, Mormoni akaramba kuva mutungamiriri wavo.

Mufananidzo
Mormoni akamira nemauto

MaRamani vakatanga kukunda maNifai muhondo yega yega. Mormoni akasarudza kutungamirira mauto echiNifai zvakare.

Mufananidzo
Momoni akagara

Aiziva kuti maNifai akaipa haaizokunda muhondo Havana kutendeuka kana kunamata kuti vawane rubatsiro rwavaida.

Mufananidzo
Mormoni achibuditsa zvinyorwa

Mormoni akatora zvinyorwa zvose kubva muchikomo mazvainge zvakavigwa naAmaroni ndokunyorera kuvanhu vaizozviverenga nerimwe rezuva.

Mufananidzo
Mormoni nezvinyorwa zvinoera

Aida kuti vanhu vose, kusanganisira maJudha kuti vazive nezva Jesu Kristu, kuti vatendeuke nokubhabhatidzwa, uye kuti vararame vhangeri vagoropafadzwa.

Mufananidzo
Mormoni achinyora pamahwendefa anoera

Mweya wakafemera Mormoni kuti aise mahwendefa madiki aNifai, aive aine huporofita hwekuuya kwaKristu pamwepo nemahwendefa aMormoni.

Mufananidzo
Mauto aMormoni

Mormoni akatungamira maNifai kunyika yeKumora, uko kwavakandogadzirira kurwisa maRamani zvakare.

Mufananidzo
Mormoni akabata mahwendefa

Mormoni ainge ave kukwegura. Aiziva kuti iyi yaizove hondo yekupedzisira. Akanga asingadi kuti maRamani azowana zvinyorwa zvinoera uye nokuzviparadza.

Mufananidzo
Mormoni achipa mahwendefa kuna Moronai

Naizvozvo akapa mahwendefa aMomoni kune mwanakomana wake Moronai, uye akanoviga mamwe mahwendefa ose muChikomo cheKumora.

Mufananidzo
MaNifai achifa

MaRamani vakarwisa vakauraya maNifai ose kusara kwemakumi maviri nemana. Mormoni aive akuvadzwa.

Mufananidzo
Mormoni akakuvadzwa

Mormoni akasuruvara nekuti maNifai mazhinji akange afa, asi aiziva kuti vakanga vafa nekuda kwekuti vakanga varamba Jesu.

Mufananidzo
Jesu Kristu

Mormoni akanga aedza kudzidzisa maNifai chokwadi. Akanga avataurira makoshero akanga akaita kutenda muna Jesu Kristu.

Mufananidzo
Mormoni achidzidzisa

Akanga aedza kuvadzidzisa kuti vave netariro kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu, nekuti vave nerudo rusina magumo, urwo runove rudo rutsvene rwaKristu.

Mufananidzo
Mormoni achinyora tsamba

Uye Mormoni akanga anyora tsamba kune mwanakomana wake, Moronai, uyo aive adzidzisawo vhangeri kumaNifai.

Mufananidzo
Moronai achiverenga tsamba

Mormoni akanyora nezvehuipi hwakadzama hwemaNifai. Akaudza Moronai kuti agare akavimbika munaJesu Kristu.

Mufananidzo
Mormoni anourayiwa.

MaRamani vakauraya Mormoni nemaNifai ose kunze kwaMoronai, uyo akapedzisa kunyora zvinyorwa.