Scripture Stories
Chitsauko 44: Jesu Kristu Anoropafadza Vana


Chitsauko 44

Jesu Kristu Anoropafadza Vana

Mufananidzo
Kristu nevana

Jesu Kristu akaudza maNifai kuti vaunze vana vavo vadiki kwaari. Vana vakagara pasi pedyo naJesu.

Mufananidzo
Jesu achinamata nevana

Muponesi akaudza vanhu kuti vapfugame pasi. Zvino iye akapfugama uye akanamata kuna Baba Vekudenga.

Mufananidzo
vanhu vachinyemwerera

Munamato weMuponesi wakanga wakanakisisa zvokuti wakanga usingakwanisi kunyorwa. Wakazadza maNifai nemufaro.

Mufananidzo
Jesu achitaura kuvanhu

Mushure memunamato wake Jesu akati maNifai aizoropafadzwa nokuda kwerutendo rwavo.

Mufananidzo
Jesu

Akanzwa rudo nerufaro rukurusa zvokuti akachema.

Mufananidzo
Jesu achiropafadza vana

Zvino akatora vana uye akaropafadza mumwe nemumwe wavo. Akavanamatira kuna Baba Vekudenga uye akachema zvakare

Mufananidzo
Jesu nevana

Jesu akaudza maNifai kuti vatarise kuvana vavo.

Mufananidzo
ngirozi dzakakomberedza vana

Apo vanhu pavakatarisa, ngirozi dzakadzika pasi kubva kudenga uye dzikakomberedza vana. Vana nengirozi vakakomberedzwa nemoto.