Mazwi ekuziva
a
- aritari
-
nzvimbo inoera, yakavakwa neivhu kana nematombo yakakwirira inopirwa minamato nemipiro kuna Mwari
c
- chibvumirano
-
chitsidzo pakati paMwari nemunhu.
- chigaro chehutongi
-
chinzvimbo chaiva muhurumende yemaNifai icho chaibatwa nemutongi mukuru
- chikepe
-
chikepe chihombe chinoshandiswa kutakura vanhu kana zvinhu zvokushandisa
Mufananidzochikepechikepe
- chimvii-mvii
-
chombo chinoshandiswa kukanda matombo
Mufananidzochimvii-mviichimvii-mvii
- chiratidzo
-
rudzi rwezvakazarurwa
- chiroto
-
nyaya inoitika mupfungwa dzemunhu apo paanenge akarara
- chishamiso
-
chiitwa kana kuti chiitiko chisingawanzoitika chinoratidza simba raMwari
- chisungo
-
chiitwa chinoera kana chiitiko chine zvirevo zvemweya, sezvakaita rubhabhatidzo kana sakaramende
- chivi
-
kutyora murairo
- chokwadi
-
chinhu chinenge chakaitika zvechokwadi kana chakanaka kana chakarurama
- chombo
-
chinhu chinoshandiswa kukuvadza kana kuuraya vamwe vanhu, sezvakaita munondo kana pfumo
d
- danda resimbi
-
chiratidzo muchiroto chaRihai chinoratidza shoko raMwari.
- denga
-
nzvimbo inogara Baba Vekudenga naJesu Kristu
- dudzira
-
kushandura mazwi kubva kune mumwe mutauro kuenda kune mumwe
h
- hondo
-
kurwisana pakati pevavengi kana mauto anopikisana
- hupirisita
-
mvumo yekuita zvinhu muzita raMwari
- huporofita
-
kutsanangudza chiitiko chisati chaitika
i
- ipa
-
chinhu chisiri chaMwari. Munhu akaipa anoda satani uye haachengetedze mirairo yaMwari.
k
- keputeni
-
mutungamiriri wemauto
- kuba
-
kutora chinhu chemumwe munhu pasina mvumo
- kubatana
-
kuva nhengo yechikwata
- kucheka ganda redehenya
-
kucheka kubvisa ganda repamusoro wemunhu nemunondo
- kudhakwa
-
kutadza kuzvibata nokuda kwekunwa doro rakawandisa
- kugadza
-
kupa simba nemvumo yehupirisita
Mufananidzokugadzakugadza
- kumutswa kuvakafa
-
kudzorera munhu kana chinhu kuhupenyu zvakare
- kurovera pamuchinjikwa
-
kuuraya kuburikidza nekurovera munhu nezvipikiri pamuchinjikwa
- kururama
-
chinhu chinenge chiri chaMwari . Vanhu vakarurama ndeavo vanotevera mirairo yaMwari.
- kuzadzwa neMweya Mutsvene.
-
kuti Mweya Mutsvene utaurire pfungwa nemwoyo wemunhu izvo zviri chokwadi
- kuzvininipisa
-
kuva unodzidzisika nekutsvaga kuita zvido zvaMwari.
L
- Liahona
-
bhora resimbi yebhurasi iro Mwari ravakapa kumhuri yaRihai raivaratidza gwara rekutora murenje. raishanda chete apo mhuri yaRihai payainge yakarurama.
MufananidzoLiahonaLiahona
m M
- mahwendefa
-
marata akatetepa esimbi ainyorerwa nevanhu dzidziso dzaMwari uye nhoroondo dzevanhu.
Mufananidzomahwendefamahwendefa
- mahwendefa egoridhe
-
gwaro rakanyorwa pamahwendefa egoridhe. Moroni akaviga ayamuChikomo cheKumora, uye pashure Joseph Smith akazoaburitsa.
Mufananidzomahwendefa egoridhemahwendefa egoridhe
- mahwendefa esimbi yebhurasi
-
chinyorwa chemirairo yaMwari nekushanda kwavo nemadziteteguru aRihai .
Mufananidzomahwendefa esimbi yebhurasimahwendefa esimbi yebhurasi
- mambo
-
mutungamiri wechikwata chevanhu
- mashoko anofadza
-
mashoko etariro nenyaradzo anobva kuna Mwari.
- matsi
-
kusakwanisa kunzwa
- mauto
-
chikwata chemasoja chakagadzirira kurwa
- mudzidzi
-
munhu anotevera Jesu Kristu, uye achiedza kuva saiye.
- mufananidzo
-
chinhu chinonamatwa nevanhu chisiri chaMwari.
- munondo
-
banga rakareba, resimbi rinoshandiswa kucheka kana kubaya
Mufananidzomunondomunondo
- mupiro
-
kupira chinhu chakakosha kuna Mwari.
- muporofita
-
munhu anodaidzwa naMwari kuti ataurire vanhu chido chaMwari
- murairo
-
chinhu Mwari chavanoudza vanhu vavo kuti vaite kuitira kuti vagova vanofara
- mureza werusununguko
-
shoko rakanyorwa neMutungamiri Moroni achikuridzira vanhu vake kuti vadzivirire rusununguko rwavo
Mufananidzomureza werusunungukomureza werusununguko
- museve
-
chombo chine muromo wakapinza chinoshandiswa pakuvhima kana muhondo
Mufananidzomusevemuseve
- mushumiri
-
munhu anodzidzisa vamwe vhangeri raJesu Kristu
- musoja
-
munhu anorwa ari mumauto
- muti weupenyu
-
muti muchiroto chaRihai waimiririra rudo rwaMwari
- mutongi
-
mutungamiri anosarudza zvinorehwa nemitemo kana kuti vanhu vanofanira kuichengeta sei
- mutungamiri
-
munhu anotungamirira chikwata chevanhu
- Mweya Mukuru
-
zita remaRamani raMwari
n
- namata
-
kutaura kunaMwari, uchitenda, nekukumbira maropafadzo.
- ngirozi
-
mutumwa kubva kuna Mwari
- nguwo
-
chipfeko chakareba, chakapamhama
- nguwo yehondo
-
chipfeko chinopfekwa nemasoja kuzvidzivirira muhondo
Mufananidzonguwo yehondonguwo yehondo
- nhapwa
-
vanhu vanomanikidzwa kushandira vamwe vanhu
- nhengo
-
munhu anenge ari chikamu chechechi kana chechikwata
- nhoo
-
chikamu chedziviriro inodzivirira nechekumusoro kwemuviri wemusoja kubva kumabakatwa kana zvimwe zvombo.
- nzara
-
kushayikwa kwezvekudya kunokonzerwa nekusanaya kwemvura uye zvirimwa zvichitadza kukura.
- nzwisisa
-
kuziva kana kunzwisisa imwe pfungwa
p
- panduka
-
kusateerera kana kupikisa mirairo
- paradza
-
kugumisa kana kupwanya zvachose chimwe chinhu, zvakaita seguta kana hupenyu.
- pfumo
-
chimuti chakarodzwa, chine muromo wakapinza chinoshandiswa kubaya
Mufananidzopfumopfumo
- poresa
-
kuita kuti munhu anorwara kana akakuvara anzwe zvirinani kana kuti arapwe
- pukunyuka
-
kutiza kubva kunemumwe munhu
r
- ranga
-
kukonzera kana kubvumira zvinhu zvakaipa kuti zviitike kumunhu Vanhu vanowanzorangwa kana vasingateereri Mwari.
- rangano
-
kuronga chirongwa chakaipa kune mumwe munhu.
- regerera
-
kukanganwa zvinhu zvakaipa zvakaitwa nemunhu uye kuda munhu iyeye
- renje
-
nzvimbo yenyika yakakura sina zvirimwa uye isina maguta kana vanhu
- ropafadza
-
kupa munhu chimwe chinhu chinomubatsira. kuropafadza sakaramende, kukumbira Mwari kuti vagamuchire chingwa nemvura semucherechedzo waJesu Kristu
- rubhabhatidzo
-
chisungo umo munhu ane mvumo inobva kuna Mwari anonyudza mumwe munhu zvakazara mumvura, uye obuditsa munhu wacho kunze zvakare. rubhabhatidzo runodikanwa kuti munhu ave nhengo yeChechi yaJesu Kristu.
Mufananidzorubhabhatidzorubhabhatidzo
- runyararo
-
kunzwa kwekugadzikana kana nguva isina hondo
- rusununguko
-
kugona kuita sarudzo
- rusununguko
-
rusununguko rwekuita sarudzo
- rutendo
-
kutenda muna Jesu Kristu
s
- sakaramende
-
chisungo umo varume vane hupirisita vanoropafadza nekugovera chingwa nemvura kune vamwe vanhu. Sakaramende inorangaridza vanhu nezva Jesu Kristu.
- shinga
-
kuziva nekudzivirira zvinhu zvakarurama
- shongwe
-
chivako chirefu kana puratifomu panokwanisa kumira vanhu
Mufananidzoshongweshongwe
- shumira
-
kuyemura kana kutevera munhu kana chinhu
- shungurudza
-
kutaura zvinhu zvenhema pamusoro pemumwe munhu, uchiedza kumurwadzisa.
- simba
-
simba rakanaka kana rakaipa, kazhinji rubatsiro rwakakosha kana simba rakakosha kubva kunaMwari.
- sinagoge
-
rudzi rwechivako umo vanhu mavanoungana kunamata Mwari
t
- teerera
-
kuita zvinenge zvakumbirwa kana zvarairwa
- tema
-
kukanda matombo pamunhu kusvikira afa
- temberi
-
imba yaMwari
Mufananidzotemberitemberi
- tenda
-
kunzwa kana kuziva kuti chimwe chinhu ndechechokwadi
- tendeka
-
kuramba uchiteerera mirairo
- tendeuka
-
kunzwa urombo nokuda kwechiito kana pfungwa uye wovimbisa kusazvidzokorora zvakare.
- tirongo
-
nzvimbo inoshandiswa kuchengeta vanhu vanenge vapara mhosva.
- tsanya
-
kusadya zvekudya kana kunwa mvura apo paunenge uchitsvaga rubatsiro pamweya
- tsvimbo
-
chombo chinoshandiswa kurova mhuka kana vanhu.
Mufananidzotsvimbotsvimbo
u U
- uchapupu
-
manzwiro kana uchapupu hwekuti magwaro ndee chokwadi
- upenyu hwekusingaperi
-
kugara nokusingaperi naMwari
- upofu
-
kusakwanisa kuona
- Urimi neTumimi
-
zvishandiso zvakakosha izvo zvinopiwa naMwari kuvaporofita kuvabatsira kududzira nekugamuchira zvakazarurwa
- uta
-
rutanda rurefu rune tambo yakasungirwa kumativi ose runoshandiswa kupotseresa miseve.
Mufananidzoutauta
- utapwa
-
kusasununguka, kufanira kushanda zuva rose kuitira chimuko chemumwe munhu
- uyipi
-
chinhu chakaipa
v
- vaka
-
kugadzira kana kuumba chinhu
- varanda
-
vanhu vanoshandira kana kusevenzera mumwe munhu sezvakaita mambo
- vhangeri
-
dzidziso dzaJesu Kristu
- vimbiso
-
mhiko kana tsidziro yekuita kana kuva chimwe chinhu