Scripture Stories
Mazwi ekuziva


Mazwi ekuziva

a

aritari

nzvimbo inoera, yakavakwa neivhu kana nematombo yakakwirira inopirwa minamato nemipiro kuna Mwari

Mufananidzo
aritari

aritari

c

chibvumirano

chitsidzo pakati paMwari nemunhu.

chigaro chehutongi

chinzvimbo chaiva muhurumende yemaNifai icho chaibatwa nemutongi mukuru

chikepe

chikepe chihombe chinoshandiswa kutakura vanhu kana zvinhu zvokushandisa

Mufananidzo
chikepe

chikepe

chimvii-mvii

chombo chinoshandiswa kukanda matombo

Mufananidzo
chimvii-mvii

chimvii-mvii

chiratidzo

rudzi rwezvakazarurwa

chiroto

nyaya inoitika mupfungwa dzemunhu apo paanenge akarara

chishamiso

chiitwa kana kuti chiitiko chisingawanzoitika chinoratidza simba raMwari

chisungo

chiitwa chinoera kana chiitiko chine zvirevo zvemweya, sezvakaita rubhabhatidzo kana sakaramende

chivi

kutyora murairo

chokwadi

chinhu chinenge chakaitika zvechokwadi kana chakanaka kana chakarurama

chombo

chinhu chinoshandiswa kukuvadza kana kuuraya vamwe vanhu, sezvakaita munondo kana pfumo

d

danda resimbi

chiratidzo muchiroto chaRihai chinoratidza shoko raMwari.

denga

nzvimbo inogara Baba Vekudenga naJesu Kristu

dudzira

kushandura mazwi kubva kune mumwe mutauro kuenda kune mumwe

h

hondo

kurwisana pakati pevavengi kana mauto anopikisana

hupirisita

mvumo yekuita zvinhu muzita raMwari

huporofita

kutsanangudza chiitiko chisati chaitika

i

ipa

chinhu chisiri chaMwari. Munhu akaipa anoda satani uye haachengetedze mirairo yaMwari.

k

keputeni

mutungamiriri wemauto

kuba

kutora chinhu chemumwe munhu pasina mvumo

kubatana

kuva nhengo yechikwata

kucheka ganda redehenya

kucheka kubvisa ganda repamusoro wemunhu nemunondo

kudhakwa

kutadza kuzvibata nokuda kwekunwa doro rakawandisa

kugadza

kupa simba nemvumo yehupirisita

Mufananidzo
kugadza

kugadza

kumutswa kuvakafa

kudzorera munhu kana chinhu kuhupenyu zvakare

kurovera pamuchinjikwa

kuuraya kuburikidza nekurovera munhu nezvipikiri pamuchinjikwa

kururama

chinhu chinenge chiri chaMwari . Vanhu vakarurama ndeavo vanotevera mirairo yaMwari.

kuzadzwa neMweya Mutsvene.

kuti Mweya Mutsvene utaurire pfungwa nemwoyo wemunhu izvo zviri chokwadi

kuzvininipisa

kuva unodzidzisika nekutsvaga kuita zvido zvaMwari.

L

Liahona

bhora resimbi yebhurasi iro Mwari ravakapa kumhuri yaRihai raivaratidza gwara rekutora murenje. raishanda chete apo mhuri yaRihai payainge yakarurama.

Mufananidzo
Liahona

Liahona

m M

mahwendefa

marata akatetepa esimbi ainyorerwa nevanhu dzidziso dzaMwari uye nhoroondo dzevanhu.

Mufananidzo
mahwendefa

mahwendefa

mahwendefa egoridhe

gwaro rakanyorwa pamahwendefa egoridhe. Moroni akaviga ayamuChikomo cheKumora, uye pashure Joseph Smith akazoaburitsa.

Mufananidzo
mahwendefa egoridhe

mahwendefa egoridhe

mahwendefa esimbi yebhurasi

chinyorwa chemirairo yaMwari nekushanda kwavo nemadziteteguru aRihai .

Mufananidzo
mahwendefa esimbi yebhurasi

mahwendefa esimbi yebhurasi

mambo

mutungamiri wechikwata chevanhu

mashoko anofadza

mashoko etariro nenyaradzo anobva kuna Mwari.

matsi

kusakwanisa kunzwa

mauto

chikwata chemasoja chakagadzirira kurwa

mudzidzi

munhu anotevera Jesu Kristu, uye achiedza kuva saiye.

mufananidzo

chinhu chinonamatwa nevanhu chisiri chaMwari.

munondo

banga rakareba, resimbi rinoshandiswa kucheka kana kubaya

Mufananidzo
munondo

munondo

mupiro

kupira chinhu chakakosha kuna Mwari.

muporofita

munhu anodaidzwa naMwari kuti ataurire vanhu chido chaMwari

murairo

chinhu Mwari chavanoudza vanhu vavo kuti vaite kuitira kuti vagova vanofara

mureza werusununguko

shoko rakanyorwa neMutungamiri Moroni achikuridzira vanhu vake kuti vadzivirire rusununguko rwavo

Mufananidzo
mureza werusununguko

mureza werusununguko

museve

chombo chine muromo wakapinza chinoshandiswa pakuvhima kana muhondo

Mufananidzo
museve

museve

mushumiri

munhu anodzidzisa vamwe vhangeri raJesu Kristu

musoja

munhu anorwa ari mumauto

muti weupenyu

muti muchiroto chaRihai waimiririra rudo rwaMwari

mutongi

mutungamiri anosarudza zvinorehwa nemitemo kana kuti vanhu vanofanira kuichengeta sei

mutungamiri

munhu anotungamirira chikwata chevanhu

Mweya Mukuru

zita remaRamani raMwari

n

namata

kutaura kunaMwari, uchitenda, nekukumbira maropafadzo.

ngirozi

mutumwa kubva kuna Mwari

nguwo

chipfeko chakareba, chakapamhama

nguwo yehondo

chipfeko chinopfekwa nemasoja kuzvidzivirira muhondo

Mufananidzo
nguwo yehondo

nguwo yehondo

nhapwa

vanhu vanomanikidzwa kushandira vamwe vanhu

nhengo

munhu anenge ari chikamu chechechi kana chechikwata

nhoo

chikamu chedziviriro inodzivirira nechekumusoro kwemuviri wemusoja kubva kumabakatwa kana zvimwe zvombo.

nzara

kushayikwa kwezvekudya kunokonzerwa nekusanaya kwemvura uye zvirimwa zvichitadza kukura.

nzwisisa

kuziva kana kunzwisisa imwe pfungwa

p

panduka

kusateerera kana kupikisa mirairo

paradza

kugumisa kana kupwanya zvachose chimwe chinhu, zvakaita seguta kana hupenyu.

pfumo

chimuti chakarodzwa, chine muromo wakapinza chinoshandiswa kubaya

Mufananidzo
pfumo

pfumo

poresa

kuita kuti munhu anorwara kana akakuvara anzwe zvirinani kana kuti arapwe

pukunyuka

kutiza kubva kunemumwe munhu

r

ranga

kukonzera kana kubvumira zvinhu zvakaipa kuti zviitike kumunhu Vanhu vanowanzorangwa kana vasingateereri Mwari.

rangano

kuronga chirongwa chakaipa kune mumwe munhu.

regerera

kukanganwa zvinhu zvakaipa zvakaitwa nemunhu uye kuda munhu iyeye

renje

nzvimbo yenyika yakakura sina zvirimwa uye isina maguta kana vanhu

ropafadza

kupa munhu chimwe chinhu chinomubatsira. kuropafadza sakaramende, kukumbira Mwari kuti vagamuchire chingwa nemvura semucherechedzo waJesu Kristu

rubhabhatidzo

chisungo umo munhu ane mvumo inobva kuna Mwari anonyudza mumwe munhu zvakazara mumvura, uye obuditsa munhu wacho kunze zvakare. rubhabhatidzo runodikanwa kuti munhu ave nhengo yeChechi yaJesu Kristu.

Mufananidzo
rubhabhatidzo

rubhabhatidzo

runyararo

kunzwa kwekugadzikana kana nguva isina hondo

rusununguko

kugona kuita sarudzo

rusununguko

rusununguko rwekuita sarudzo

rutendo

kutenda muna Jesu Kristu

s

sakaramende

chisungo umo varume vane hupirisita vanoropafadza nekugovera chingwa nemvura kune vamwe vanhu. Sakaramende inorangaridza vanhu nezva Jesu Kristu.

shinga

kuziva nekudzivirira zvinhu zvakarurama

shongwe

chivako chirefu kana puratifomu panokwanisa kumira vanhu

Mufananidzo
shongwe

shongwe

shumira

kuyemura kana kutevera munhu kana chinhu

shungurudza

kutaura zvinhu zvenhema pamusoro pemumwe munhu, uchiedza kumurwadzisa.

simba

simba rakanaka kana rakaipa, kazhinji rubatsiro rwakakosha kana simba rakakosha kubva kunaMwari.

sinagoge

rudzi rwechivako umo vanhu mavanoungana kunamata Mwari

t

teerera

kuita zvinenge zvakumbirwa kana zvarairwa

tema

kukanda matombo pamunhu kusvikira afa

temberi

imba yaMwari

Mufananidzo
temberi

temberi

tenda

kunzwa kana kuziva kuti chimwe chinhu ndechechokwadi

tendeka

kuramba uchiteerera mirairo

tendeuka

kunzwa urombo nokuda kwechiito kana pfungwa uye wovimbisa kusazvidzokorora zvakare.

tirongo

nzvimbo inoshandiswa kuchengeta vanhu vanenge vapara mhosva.

tsanya

kusadya zvekudya kana kunwa mvura apo paunenge uchitsvaga rubatsiro pamweya

tsvimbo

chombo chinoshandiswa kurova mhuka kana vanhu.

Mufananidzo
tsvimbo

tsvimbo

u U

uchapupu

manzwiro kana uchapupu hwekuti magwaro ndee chokwadi

upenyu hwekusingaperi

kugara nokusingaperi naMwari

upofu

kusakwanisa kuona

Urimi neTumimi

zvishandiso zvakakosha izvo zvinopiwa naMwari kuvaporofita kuvabatsira kududzira nekugamuchira zvakazarurwa

uta

rutanda rurefu rune tambo yakasungirwa kumativi ose runoshandiswa kupotseresa miseve.

Mufananidzo
uta

uta

utapwa

kusasununguka, kufanira kushanda zuva rose kuitira chimuko chemumwe munhu

uyipi

chinhu chakaipa

v

vaka

kugadzira kana kuumba chinhu

varanda

vanhu vanoshandira kana kusevenzera mumwe munhu sezvakaita mambo

vhangeri

dzidziso dzaJesu Kristu

vimbiso

mhiko kana tsidziro yekuita kana kuva chimwe chinhu