Scripture Stories
Chitsauko 48: Runyararo muAmerica


Chitsauko 48

Runyararo muAmerica

Mufananidzo
vadzidzi vachidzidzisa

Mushure mekunge Jesu adzokera kudenga, vadzidzi vake vakamisa Chechi yake nemunyika yose.

Mufananidzo
murume achibhabhatidzwa

Vanhu vakatendeuka kubva kuzvivi zvavo vakabhabhatidzwa uye vakatambira Mweya Mutsvene.

Mufananidzo
vanhu vachifara

Nenguva pfupi maNifai nemaRamani vose vakateundeutswa. Vakanga vasingakakavadzani uye munhu wose akanga akatendeka.

Mufananidzo
vanhu vakagara

Hapana akanga akapfuma kana akanga ari murombo. Vanhu vaigoverana zvinhu zvose, uye vose vakanga vaine zvavaida.

Mufananidzo
murume achiropafadzwa

Vadzidzi vakaita zvishamiso zvizhinji nemuzita raJesu Kristu Vakaporesa varwere uye vakamutsa vakafa.

Mufananidzo
vanhu vachivaka

Vanhu vakavaka maguta matsva apo pakanga paparadzwa mamwe.

Mufananidzo
varume vachitaura

Vaiteerera mirairo yaMwari. Vaiatsanya nekunamata uye vaisangana pamwechete kakawanda kuti vanzwe shoko raMwari.

Mufananidzo
vakomana vachitamba

Vanhu vaifara

Mufananidzo
varume vachitaura

Kwakanga kusina mbavha, kusina vanyepi, kusina mhondi. Vanhu vakanga vasisina kuparadzana kuita maNifai nemaRamani asi vakanga vava vanhu vamwechete, vana vaKristu.

Mufananidzo
baba nemwanakomana

Ishe vakaropafadza vanhu muzvinhu zvese zvavaiita.

Mufananidzo
vanhu vachishanda mumunda

Vakagara murunyararo kwemakore mazana maviri. Vanhu vakapfuma zvikuru.