Scripture Stories
Chitsauko 4: Mahwendefa eBhurasi


Chitsauko 4

Mahwendefa eBhurasi

Mufananidzo
Rihai achitaura naNifai

Rihai akataurira Nifai kuti Ishe vaida kuti iye nemadzikoma ake vadzokere kuJerusarema. Vaifanira kunotora mahwendefa ebhurasi kubva kune murume ainzi Rabhani.

Mufananidzo
mahwendefa ebhurasi

Mahwendefa ebhurasi aiva zvinyorwa zvakakosha. Aitaura nezve madzitateguru aRihai uye aive nemazwi aMwari akazarurwa kuburikidza nevaporofita.

Mufananidzo
Ramani naRemueri

Ramani naRemueri vakanga vasingade kudzokera kunotora mahwendefa ebhurasi. Vakati zvaizova zvakaoma chaizvo kuita. Vakanga vasina rutendo munaIshe.

Mufananidzo
Rihai achitaura naNifai

Nifai aida kuteerera Ishe. Aiziva kuti Ishe vaizomubatsira iye nemadzikoma ake kuti vatore mahwendefa ebhurasi kubva kuna Rabhani.

Mufananidzo
Ramani, Remueri, Semu, naNifai.

Ramani, Remueri, Semu, naNifai vakafamba kudzokera kuJerusarema kunotora mahwendefa ebhurasi.

Mufananidzo
Ramani achitaura naRabhani

Ramani akaenda kuna Rabhani akamukumbira mahwendefa.

Mufananidzo
Ramani achimhanya

Rabhani akashatirwa uye akaramba kupa Ramani mahwendefa ebhurasi. Rabhani aida kuuraya Ramani, asi Ramani akatiza.

Mufananidzo
Ramani achitaura kuvanin’ina

Ramani akataurira vanin’ina vake zvakanga zvaitika. Aitya uye akange oda kuzvisiya uye kuti vadzokere kuna baba vavo murenje.

Mufananidzo
Nifai achitaura kumadzikoma

Nifai akati havaikwanisa kudzokera vasina mahwendefa ebhurasi. Akataurira madzikoma ake kuti vave nerutendo rwakawedzerwa muna Ishe uye vaizokwanisa kutora mahwendefa ebhurasi.

Mufananidzo
vachiunganidza goridhe

Nifai nemadzikoma ake vakaenda kuimba yavo yakare muJerusarema vakaunganidza goridhe ravo nesirivha kuti vanochinjanisa nemahwendefa.

Mufananidzo
vachiratidza Rabhani goridhe

Vakaratidza Rabhani upfumi hwavo uye vakamukumbira kuti ivo vamupe upfumi iye agovapa mahwendefa Apo Rabhani paakaona goridhe nesirivha yavo, akazvida kuti zvive zvake uye akavatandira kunze.

Mufananidzo
Rabhani achinongedzera

Rabhani akataurira varume vake kuti vauraye vanakomana vaRihai. Nifai nemadzikoma ake vakatiza vakahwanda mubako. Rabhani akachengeta goridhe nesirivha zvavo.

Mufananidzo
Ramani naRemueri vachirova Nifai naSemu

Ramani naRemueri vakashatirirwa Nifai. Vakarova Nifai naSemu nechishamhu.

Mufananidzo
ngirozi ichizviratidza

Ngirozi yakazviratidza uye ikataurira Ramani naRamueri kuti varegedze. Yakati Ishe vaizovabatsira kuti vawane mahwendefa. Yakatiwo Nifai aizova mutungamiri pamusoro pemadzikoma ake.

Mufananidzo
Nifai achitaura kumadzikoma

Nifai akataurira madzikoma ake kuti vave nerutendo muna Ishe uye kuti vasatya Rabhani nevarume vake. Nifai akakurudzira madzikoma ake kuti vadzokere kuJerusarema.

Mufananidzo
Nifai nemadzikoma ake vakahwanda

Usiku ihwohwo Nifai nemadzikoma ake vakahwanda kunze kwemasvingo eguta apo Nifai paaiverevedza kupinda mukati. Akafamba akananga kumba kwaRabhani.

Mufananidzo
Rabhani akadhakwa

Apo Nifai paakasvika pedyo neimba yaRabhani, akaona murume akadhakwa akarara pasi. Akanga ari Rabhani.

Mufananidzo
Nifai achitora munondo waRabhani.

Nifai akaona munondo waRabhani uye akausumudza. Mweya Mutsvene wakataurira Nifai kuti auraye Rabhani, asi Nifai akanga asingade kumuuraya.

Mufananidzo
Nifai achiuraya Rabhani.

Mweya Mutsvene wakataurira Nifai zvakare kuti auraye Rabhani kuitira kuti Nifai agokwanisa kutora mahwendefa ebhurasi. Mhuri yaRihai yaida mahwendefa kuitira kuti vagokwanisa kudzidza vhangeri.

Mufananidzo
Nifai ari mumbatya dzaRabhani.

Nifai akateerera Mweya Mutsvene akauraya Rabhani. Nifai zvino akapfeka mbatya nenguwo dzehondo dzaRabhani.

Mufananidzo
Nifai achiita saRabhani.

Nifai akaenda mumba maRabhani akatambirwa naZoramu, muranda waRabhani. Nifai airatidzika uye aitaura nenzwi rakafanana neraRabhani.

Mufananidzo
Nifai naZoramu

Akataurira Zoramu kuti atore mahwendefa ebhurasi. Zoramu akafunga kuti Nifai akanga ari Rabhani, saka akamupa mahwendefa. Nifai akataurira Zoramu kuti amutevere.

Mufananidzo
Nifai naZoramu

Ramani, Remueri, naSemu, vakaona Nifai achiuya vakatya; vakafunga kuti akanga ari Rabhani. Vakatanga kutiza asi vakamira apo Nifai paakadaidzira kwavari.

Mufananidzo
Nifai naZoramu

Zvino Zoramu akaziva kuti Nifai akanga asiri Rabhani, uye akaedza kutiza. Nifai akabata Zoramu akavimbisa kusamukuvadza kana akaenda naNifai murenje.

Mufananidzo
Zoramu nemadzikoma nemunin’ina

Zoramu akabvuma Nifai nemadzikoma ake vakatora Zoramu nemahwendefa ebhurasi vakadzokera kuna Rihai naSaria.

Mufananidzo
Rihai naSaria vachifara

Vakapa mahwendefa ebhurasi kuna Rihai. Iye naSaria vakafara kuti vanakomana vavo vakanga vachengetedzwa. Vose vakafara vakatenda Mwari.

Mufananidzo
Rihai achiverengera kuvanakomana

Rihai akaverenga mahwendefa ebhurasi. Aitaura nezva Adama naEva uye zveKusikwa kwenyika. Aive nemazwi evaporofita mazhinji.

Mufananidzo
Rihai naNifai

Rihai naNifai vakafara nokuti vakanga vateerera Ishe uye vakanga vagona kutora mahwendefa ebhurasi.

Mufananidzo
Rihai achirongedza mahwendefa

Mhuri yaRihai yakarongedza mahwendefa ebhurasi kuti vaende nawo parwendo rwavo kuitira kuti vagokwanisa kudzidzisa vana vavo mirairo yakanga yakanyorwa pamahwendefa.