Scripture Stories
Chitsauko 40: Samueri muRamani Anoutaura pamusoro paJesu Kristu


Chitsauko 40

Samueri muRamani Anotaura pamusoro paJesu Kristu

Mufananidzo
MaRamani vachifamba

MaRamani vakateerera mirairo yaMwari. Vakava vakanyanya kururama kupfuura maNifai.

Mufananidzo
Samueri achiparidza kumaNifai

Samueri, muporofita wechiRamani, akaenda kuZarahemura kunoparidza kumaNifai akanga akaipa. Akavaudza kuti vatendeuke.

Mufananidzo
Samueri achitiza kubva kuvarindi vechiNifai

MaNifai akatandanisira Samueri kunze kweguta, uye akatanga kufamba odzokera kunyika yake.

Mufananidzo
Samueri achinamata

Asi Ishe vakataurira Samueri kuti adzokere kuZarahemura uye anoudza vanhu zvinhu izvo Ishe zvavaizoisa mumwoyo make.

Mufananidzo
Samueri achiparidza kubva parusvingo

MaNifai akaramba kubvumira Samueri kuti apinde zvakare muguta, saka akakwira pamusoro perusvingo rweguta uye akaparidza ari ipapo.

Mufananidzo
vanhu vachiteerera kuna Samueri

Akaporofita kuti maNifai aizoparadzwa mumakore mazana mana kusara kwekunge vanhu vatendeuka uye vakava nerutendo muna Jesu Kristu.

Mufananidzo
Samueri achitaura

Samueri akataurira maNifai kuti Jesu Kristu aizozvarwa mumakore mashanu uye kuti aizoponesa avo vose vaitenda maari.

Mufananidzo
nyeredzi pamusoro peBetrehema

Samueri akavataurira pamusoro pezviratidzo zvekuzvarwa kwaJesu. Nyeredzi itsva yaizouya, uye pahusiku hwaizoteverwa nekuzvarwa kwaJesu kunze hakwaizosviba.

Mufananidzo
varume vakagara murima

Zvino Samueri akavataurira zviratidzo zverufu rwaJesu. Kwaizova nemazuva matatu erima guru–zuva, mwedzi, nenyeredzi hazvizobwinyi.

Mufananidzo
mheni ichirova zvivako

Kwaizovawo nemabhanan’ana nekupenya nekudengenyeka kwenyika. Makomo aizoputsika, uye maguta mazhinji aizoparadzwa.

Mufananidzo
MaNifai achitaura kuna Nifai

Mamwe maNifai akatenda zvakanga zvataurwa naSamueri uye vakatendeuka pazvivi zvavo. Vakaenda kunotsvaga Nifai, muNifai akanga akarurama uyo aikwanisa kuvabhabhatidza.

Mufananidzo
vanhu vachipfura miseve kuna Samueri

Mamwe maNifai ose haana kutenda zvakanga zvataurwa naSamueri. Vakakanda matombo nokupfura miseve kwaari. Asi Ishe vakamudzivirira, uye hapana dombo rakamutema kana museve wakamubaya.

Mufananidzo
MaNifai achipfura miseve

Apo vanhu pavakaona kuti vakanga vasingakwanisi kumutema kana kumubaya, vazhinji vakatenda manzwi ake uye vakaenda kuna Nifai kunobhabhatidzwa.

Mufananidzo
Nifai achibhabhatidza murume

Nifai akadzidzisawo vanhu pamusoro paJesu. Aida kuti vatende muna Jesu, vatendeuke, uye vabhabhatidzwe.

Mufananidzo
varume vachikwira manera

MaNifai mazhinji, zvisinei, havana kutenda manzwi aSamueri. Vakaedza kumubata.

Mufananidzo
Samueri achiuruka kubva parusvingo

Samueri akaurukira pasi kubva parusvingo uye akamhanyira kunyika yake.

Mufananidzo
Samueri achidzidzisa maRamani

Samueri akatanga kudzidzisa maRamani. Haana kuzombonzwikwa nezvake pakati pamaNifai zvakare.