Scripture Stories
Nzvimbo dzeKuziva


Nzvimbo dzeKuziva

America

nyika yechipikirwa uko Mwari kwavakaraira mhuri yaRihai uye maJaredhi kuti vaende

Amoniha

guta revanhu vakaipa avo vakanga vasingadi kuteerera kuna Aruma Mudiki naAmureki.

Betrehema

guta raive pedyo neJerusarema uko kwakazvarirwa Jesu Kristu

Bhabheri

guta iro vanhu vakaipa mavakavaka shongwe kuitira kuti vagokwira kuenda kudenga

Bhaundifuru1

nzvimbo yakavakirwa misasa nemhuri yaRihai mushure mekunge vafamba murenje kwemakore masere. Kubva ipapo vakafamba voenda kunyika yechipikirwa.

Bhaundifuru2

nzvimbo iyo Jesu Kristu yaakauya apo paakashanyira maNifai.

Chikomo cheKumora

nzvimbo yakavigwa mahwendefa egoridhe naMoronai uye pashure Joseph Smith akazoaburitsa

Jerusarema

guta iro Rihai raaiporofita kuvanhu vakaipa ari uye nzvimbo iyo Jesu Kristu yaaidzidzisa ari uye yaakarovererwa pamuchinjikwa

Jeshoni

nyika yakapiwa vanhu vaAmoni nemaNifai

Mvura dzaMormoni

nzvimbo yakabhabhatidzira Aruma maNifai akatendeuka avo vakange vasiya Mambo Noa.

Nifai

guta rakavakiwa naNifai nevanhu vake mushure mekunge vasiya Ramani naRemueri nevateveri vavo

nyika yechipikirwa

nyika ipi zvayo Mwari yavanotungamirira kwairi vanhu vavo vakasarudzwa. Vakatungamirira mhuri yaRihai nemaJaredhi kunyika yechipikirwa

Sidomu

nyika iyo Aruma Mudiki yaakamisa Chechi. Yakave musha mutsva wevanhu vakarurama avo vakanga vabva muAmoniha.

Zarahemura

guta guru remaNifai raive muzinda wehurumende neChechi. Mambo Mosaya naMambo Bhenjamini vaigara imomu. Guta iri rakapiswa parufu rwaJesu.