Nzvimbo dzeKuziva
- America
-
nyika yechipikirwa uko Mwari kwavakaraira mhuri yaRihai uye maJaredhi kuti vaende
- Amoniha
-
guta revanhu vakaipa avo vakanga vasingadi kuteerera kuna Aruma Mudiki naAmureki.
- Betrehema
-
guta raive pedyo neJerusarema uko kwakazvarirwa Jesu Kristu
- Bhabheri
-
guta iro vanhu vakaipa mavakavaka shongwe kuitira kuti vagokwira kuenda kudenga
- Bhaundifuru1
-
nzvimbo yakavakirwa misasa nemhuri yaRihai mushure mekunge vafamba murenje kwemakore masere. Kubva ipapo vakafamba voenda kunyika yechipikirwa.
- Bhaundifuru2
-
nzvimbo iyo Jesu Kristu yaakauya apo paakashanyira maNifai.
- Chikomo cheKumora
-
nzvimbo yakavigwa mahwendefa egoridhe naMoronai uye pashure Joseph Smith akazoaburitsa
- Jerusarema
-
guta iro Rihai raaiporofita kuvanhu vakaipa ari uye nzvimbo iyo Jesu Kristu yaaidzidzisa ari uye yaakarovererwa pamuchinjikwa
- Jeshoni
-
nyika yakapiwa vanhu vaAmoni nemaNifai
- Mvura dzaMormoni
-
nzvimbo yakabhabhatidzira Aruma maNifai akatendeuka avo vakange vasiya Mambo Noa.
- Nifai
-
guta rakavakiwa naNifai nevanhu vake mushure mekunge vasiya Ramani naRemueri nevateveri vavo
- nyika yechipikirwa
-
nyika ipi zvayo Mwari yavanotungamirira kwairi vanhu vavo vakasarudzwa. Vakatungamirira mhuri yaRihai nemaJaredhi kunyika yechipikirwa
- Sidomu
-
nyika iyo Aruma Mudiki yaakamisa Chechi. Yakave musha mutsva wevanhu vakarurama avo vakanga vabva muAmoniha.
- Zarahemura
-
guta guru remaNifai raive muzinda wehurumende neChechi. Mambo Mosaya naMambo Bhenjamini vaigara imomu. Guta iri rakapiswa parufu rwaJesu.