Scripture Stories
Chitsauko 42: Zviratidzo zveKuroverwa paMuchinjikwa kwaKristu


Chitsauko 42

Zviratidzo zveKuroverwa paMuchinjikwa kwaKristu

Mufananidzo
murume akabata ruoko rwemusikana

Makore makumi matatu nematatu akanga apfuura kubvira kuona kwakanga kwaita vanhu zviratidzo zvekuzvarwa kwaJesu Kristu.

Mufananidzo
vanhu vakatarisa kudenga

Zvino vakanga votarisira zviratidzo zvekufa kwake; mazuva matatu erima.

Mufananidzo
vanhu vachikakavadzana

Vamwe havana kutenda kuti chiratidzo chaizouya. Vakakakavadzana neavo vaitenda.

Mufananidzo
varume vari mudutu guru

Rimwe zuva dutu guru rakasimba rakauya. Kwaiva nemhepo huru yaityisa.

Mufananidzo
murume akagara pasi

Mheni yakapenya, uye mabhanan’ana akadengenyedza pasi pose.

Mufananidzo
varume vachitiza

Guta reZarahemura rakabvira nemoto. Guta reMoronai rakanyura mugungwa. Guta raMoronaiha rakafushirwa pasi.

Mufananidzo
murume nevana

Kudengenyeka kwenyika kwakazunguza pasi pose. Nzira huru dzakaparadzwa; uye zvivako zvizhinji zvakaputsikira pasi. Maguta mazhinji akaparadzwa, uye vanhu vazhinji vakaurawa.

Mufananidzo
dutu nepanyika pose

Dutu guru nekudengenyeka kwenyika zvakatora nguva ingangoita maawa matatu.

Mufananidzo
vanhu vachifamba murima

Apo dutu guru nekudengenyeka kwenyika pazvakamira, rima guru rakafukidza nyika. Kwakanga kusina chiedza kana kupi zvako. Vanhu vaitokwanisa kana kubata rima racho.

Mufananidzo
mhuri iri murima

Rima iri rakavapo kwemazuva matatu. Makanduru akanga asingakwanisi kupfuta, uye vanhu vakanga vasingakwanisi kuona zuva, mwedzi, kana nyeredzi.

Mufananidzo
vanhu vachichema murima

Vanhu vakachema nekuda kwerima, kuparadzwa, uye nerufu. Vakava neurombo kuti vakanga vasina kutendeuka pazvivi zvavo.

Mufananidzo
vanhu vari murima

Zvino vanhu vakanzwa inzwi raJesu Kristu

Mufananidzo
nyika yakaparadzwa iri murima

Jesu akavataurira pamusoro pekuparadzwa kukuru kwaityisa kwaiva munyika. Akati vanhu vakanga vakanyanya kuipa vakanga vaurawa.

Mufananidzo
vanhu vachinamata murima

Akati avo vakanga vasina kuuraiwa vaifanira kutendeuka. Kana vakadaro uye vakauya kwaari, aizovaropafadza.

Mufananidzo
vanhu vari murima

Vanhu vakashamiswa zvikuru mushure mekunzwa inzwi zvokuti vakarega kuchema. Zvinhu zvose zvakanyarara kwemaawa mazhinji.

Mufananidzo
mhuri iri murima

Zvino Jesu akataura zvakare, achiti akanga aedza kakawanda kubatsira vanhu. Kana vaizotendeuka iyezvino, vaizokwanisa kudzokera kwaari.

Mufananidzo
vanhu vachitarisa kudenga

Mushure memazuva matatu rima rakabva. Vanhu vakapembera uye nemufaro vakatenda Ishe.