Scripture Stories
Chitsauko 54: Vimbiso yeBhuku raMormoni


Chitsauko 54

Vimbiso yeBhuku raMormoni

Mufananidzo
Moronai achinyora pamahwendefa

Moronai asati aviga mahwendefa kekugumisira, akanyora vimbiso kumaRamani uye kuna ani nani zvake aizoverenga zvinyorwa izvozvo.

Mufananidzo
mukomana mudiki achiverenga magwaro matsvene

Akaudza vanhu kuti vaverenge magwaro, nekufungisisa pamusoro pawo, uye vagobvunza Baba Vekudenga kana ari echokwadi.

Mufananidzo
mukomana mudiki achinamata

Moronai akavimbisa kuti kana vanhu vakakumbira nemoyo wose, nerutendo muna Kristu, Mweya Mutsvene waizovabatsira kuziva kuti zvinyorwa izvozvo ndezve chokwadi.

Mufananidzo
Moronai achinyora pamahwendefa

Moronai akanyora kuti kana vanhu vakatendeuka, votevera Jesu Kristu, uye voda Baba Vekudenga,vanokwanisa kuva vakarurama.

Mufananidzo
Moroni achiviga mahwendefa egoridhe

Apo Moroni paakapedza kunyora pamahwendefa egoridhe, akamaviga mubhokisi rematombo muChikomo cheKumora, uye akaviga bhokisi racho pasi peibwe guru. Basa rake pasipano rakange rapera.