Scripture Stories
Chitsauko 43: Jesu Kristu Anozviratidza kumaNifai


Chitsauko 43

Jesu Kristu Anozviratidza kumaNifai

Mufananidzo
MaNifai achiungana

MaNifai mazhinji akaungana patemberi munyika yeBhaundifuru Vakashamiswa nekushanduka kukuru kwanga kwaitika munyika.

Mufananidzo
vanhu vachitaura

Vanhu vaitaura pamusoro paJesu Kristu nechiratidzo chekufa kwake.

Mufananidzo
vanhu vachinzwa inzwi rakanyarara

Apo pavaitaura, vakanzwa inzwi rakanyarara raibva kudenga. Rakaita kuti mwoyo yavo itsve.

Mufananidzo
murume akabata mudzimai

Pakutanga havana kunzwisisa inzwi iri, asi parakataura kechitatu, vakarinzwisisa.

Mufananidzo
vanhu vachiteerera

Izwi rakanga riri raBaba Vekudenga. Rakasuma Jesu Kristu uye rikataurira vanhu kuti vamuteerere.

Mufananidzo
Jesu pakati pevanhu

Jesu Kristu akadzika pasi kubva kudenga uye akamira pakati pevanhu. Vakatya kutaura nekuti vakanga vasinganzwisisi zvakanga zvichiitika. Vakafunga kuti Jesu akanga ari ngirozi

Mufananidzo
Jesu achitaura kuvanhu

Akavaudza kuti akanga ari Jesu Kristu, uyo vaporofita wavakanga vati achauya.

Mufananidzo
Jesu nevanhu

Jesu akataurira vanhu kuti vauye vazobata mavanga aiva parutivi rwake uye aiva muzvanza zvake nemutsoka dzake, umo maakanga arovererwa namo pamuchinjikwa.

Mufananidzo
Jesu akagara nevana

Jesu aida kuti vanhu vazive kuti aiva Mwari wavo uye kuti akanga afira zvivi zvavo.

Mufananidzo
Kristu nemaNifai

Mumwe nemumwe vanhu akabata mavanga murutivi, muzvanza, nemutsoka dzaJesu. Vanhu vakaziva kuti akanga ari Muponesi.

Mufananidzo
vanhu vachinamata Jesu

Zvino vanhu vakarumbidza Jesu uye vakawira pasi petsoka dzake uye vakamunamata.

Mufananidzo
Jesu achipa varume hupirisita

Jesu akadaidza Nifai uye vamwe varume gumi nemumwe kwaari. Akavapa simba rehupirisita uye akavadzidzisa nzira kwayo yokubhabhatidza nayo.

Mufananidzo
Jesu achidzidzisa vanhu

Akataurira maNifai kuti vatende maari, vatendeuke, uye vachengete mirairo. Kana vakasadaro, havaizokwanisa kupinda muumambo hwake.

Mufananidzo
Jesu achidzidzisa vanhu

Akadzidzisa maNifai manamatiro avaifanira kuita kuna Baba Vekudenga. Akavadzidzisawo pamusoro pekutsanya uye akati vaizoregererwa kana vakaregererana.

Mufananidzo
Jesu achidzidzisa vanhu

Mushure mukodzidzisa vanhu zvinhu zvakawanda, Jesu akavataurira kuti vaenda kumba uye vanofunga nokunamata pamusoro pezvaakanga ataura.

Mufananidzo
MaNifai achichema

MaNifai akatanga kuchema. Vakanga vasingadi kuti Jesu aende nguva iyoyo

Mufananidzo
Jesu achidzidzisa vanhu

Jesu aida maNifai. Akavataurira kuti vaunze vanhu vairwara kana vakanga vakuvara kwaari kuti agovaporesa.

Mufananidzo
Jesu achiporesa mwana

Jesu akaporesa vanhu ava. Vanhu vose vakapfugama uye vakamunamata.