Scripture Stories
Chitsaukoa 52: Kuparadzwa kwemaJaredhi


Chitsauko 52

Kuparadzwa kwemaJaredhi

Mufananidzo
Mambo wemaJaredhi

MaJaredhi vakawedzera pahuwandu uye vakave vapfumi. Vakasarudza mambo kuti ave mutungamiriri wavo.

Mufananidzo
MaJaredhi akaipa

Makore mazhinji akapfuura, uye maJaredhi vakave vakaipa. Ishe vakatumira vaporofita kuti vavataurire kuti vatendeuke, kana kuti vakasadaro vaizoparadzwa.

Mufananidzo
MaJaredhi achimhanya

Vanhu havana kuteerera vaporofita. Vakaedza kuvauraya

Mufananidzo
hondo

Kwakave nehondo nenzara munyika MaJaredhi vazhinji vakafa

Mufananidzo
Eta achiparidza

Ishe vakatuma mumwe muporofita, ainzi Eta. Akaparidza kubva mangwanani kusvika manheru, achiudza maJaredhi kuti vatende muna Mwari uye vatendeuke.

Mufananidzo
Eta achiparidza kuvanhu

Eta akaudza maJaredhi kuti kana vakatenda muna Mwari, nerimwe rezuva vaizokwanisa kugara naBaba Vekudenga munyika iri nani.

Mufananidzo
MaJaredhi vachimanikidza Eta kuti abve.

Eta akataurira maJaredhi zvinhu zvakawanda zvakakosha, asi havana kumubvuma. Vakaita kuti abve muguta.

Mufananidzo
Eta akahwanda mubako

Eta aihwanda mubako masikati, kuti asauraiwe. Usiku aibuda achindoona zvainge zvichiitika kune maJaredhi.

Mufananidzo
Eta achinyora pamahwendefa.

Akapedza kunyora nhoroondo yemaJaredhi paainge akahwanda.

Mufananidzo
Eta achitaura naKorianduma

Ishe vakatuma Eta kuna Korianduma, uyo aive mambo wemaJaredhi akaipa. Eta akamutaurira kuti atendeuke, kana kuti akasaita kudaro aizorarama kuona vanhu vake vose vachiuraiwa

Mufananidzo
varindi vachitandanisa Eta

Korianduma nevanhu vake havana kutendeuka. Akaedza kuti Eta auraiwe, asi Eta akamhanya akanohwanda mubako.

Mufananidzo
murume akarara aine munondo.

Vanhu vaive vakaipa zvekuti Ishe vakatuka nyika. Havaikwanisa kuisa zvombo neminondo yavo pasi nekuti nepazuva raitevera vaiwana zvisisipo.

Mufananidzo
hondo

MaJaredhi vose vakarwa muhondo, kusanganisira vakadzi nevana. Korianduma akatungamirira rimwe uto uye murume ainzi Shizi akatungamiririra rimwe.

Mufananidzo
Korianduma naShizi vachirwisana.

Korianduma naShizi vaive varume vakaipa. Mweya Mutsvene wakanga wasiya maJaredhi nekuda kwehuipi hwavo. Satani akanga ave nesimba rizere kwavari.

Mufananidzo
Korianduma

MaJaredhi vakarwisana kusvikira Korianduma naShizi varivo chete vakanga vasara. Apo Shizi paakarukutika nekuda kwekurasikirwa neropa rakawandisa, Korianduma akamugura musoro.

Mufananidzo
Korianduma nevanhu veZarahemura

Huporofita hwaEta hwakanga hwazadzikiswa: Korianduma ndiye aiva muJaredhi mupenyu wekupedzisira. Akawanikwa nevanhu veZarahemura.

Mufananidzo
Eta achinyora pamahwendefa

Eta akapedza kunyora nhoroondo yemaJaredhi. Vakanga vaparadzwa nokuda kwehuipi hwavo. Zvinyorwa zvemaJaredhi pashure zvakazowanikwa nemaNifai.