Scripture Stories
Chitsauko 29: Aruma Anodzidzisa pamusoro peRutendo uye neShoko raMwari


Chitsauko 29

Aruma Anodzidzisa pamusoro peRutendo neShoko raMwari

Mufananidzo
Aruma achidzidzisa maZoramu

Aruma akadzidzisa maZoramu pamusoro perutendo. Akati vanhu avo vanokumbira kuona chiratidzo vasati vatenda vaive vasina rutendo.

Mufananidzo
Aruma achiparidza

Aruma akati rutendo kubvuma kuti chimwe chinhu ndechechokwadi kunyange usipo kuti uchione.

Mufananidzo
ruoko ruchidyara mbeu

Akatsanangura kuti rutendo runokura apo munhu paanoda kutenda uye oteerera kushoko raMwari. Shoko zvino rinobva radyarwa mumwoyo wemunhu, uye sembeu rinobva ratanga kukura.

Mufananidzo
murume nemukadzi vachitarisa kumuti

Apo munhu paanodzidza zvakawanda pamusoro pevhangeri, mbeu inotungira uye inoramba ichikura. Munhu anobva aziva kuti mbeu iyoyo yakanaka, uye rutendo rwake runokura zvakasimba.

Mufananidzo
Murume nemukadzi vachitanha muchero

Aruma akataura kuti sezvakangoita mbeu yakanaka inobereka muchero wakanaka, shoko raMwari rinounza makomborero kuvanhu vane rutendo.