Scripture Stories
Chitsauko 12: Mambo Benjamini


Chitsauko 12

Mambo Benjamini

Mufananidzo
Mambo Benjamini achidzidzisa

Mambo Benjamini akanga ari mambo wemaNifai akarurama. Nerubatsiro rwevamwe varume vakarurama, akaunza runyararo kunyika.

Mufananidzo
Mambo Benjamini naMosaya

Mambo Benjamini akanga achembera uye aida kutaura nevanhu vake. Aida kuvataurira kuti mwanakomana wake Mosaya ndiye aizova mambo aitevera.

Mufananidzo
vanhu vachiungana patemberi

Vanhu vakauya kubva kwese kwese munyika uye vakaungana padyo netemberi. Vakaisa tende dzavo kuitira kuti misuwo itarise kutemberi.

Mufananidzo
Mambo Benjamini achitaura

Mambo Benjamini akataura ari pashongwe kuitira kuti maNifai vakwanise kumunzwa.

Mufananidzo
MaNifai

Akataurira vanhu vake kuti akanga aedza zvakasimba kuvashandira. Akati nzira yekushandira Mwari ndeye kushandirana.

Mufananidzo
Mambo Benjamini

Mambo Benjamini akataurira vanhu kuti vateerere mirairo yaMwari. Avo vanochengeta zvakatendeka mirairo yaMwari vanozofara uye nerimwe zuva vanozogara naMwari.

Mufananidzo
Jesu mucheche naMaria

Mambo Benjamini akati Jesu Kristu akanga achizozvarwa panyika nenguva pfupi. Zita raamai vake raizonzi Maria.

Mufananidzo
Jesu achiita zvishamiso

Jesu aizoita zvishamiso. Aizoporesa vanorwara uye achiunza vakafa kuupenyu. Aizoita kuti mapofu aone uye matsi dzinzwe.

Mufananidzo
Jesu achinamata

Jesu aizotambudzikira nekufira zvivi zvevanhu vese. Avo vanotendeuka uye vachiva nerutendo muna Jesu vanozoregererwa zvivi zvavo.

Mufananidzo
Jesu achiroverwa

Mambo Benjamini akataurira maNifai kuti varume vakaipa vaizorova Jesu nezvamboko. Zvino vaizomurovera pamuchinjikwa.

Mufananidzo
Jesu akamutswa kuvakafa

Mushure memazuva matatu Jesu anozomutswa kuvakafa.

Mufananidzo
MaNifai achitendeuka

Mushure mekunge Mambo Benjamini ataura, maNifai akawira pasi. Vaiva neurombo nezvivi zvavo uye vakada kutendeuka.

Mufananidzo
vanhu vachinamata

Vanhu vakava nerutendo muna Jesu Kristu, uye vakanamata kuti varegererwe.

Mufananidzo
MaNifai achinyemwerera

Mweya Mutsvene wakazadza mwoyo yavo. Akaziva kuti Mwari vakanga vavaregerera uye kuti vaivada. Vakanzwa runyararo nerufaro.

Mufananidzo
Mambo Benjamini achitaura kuvanhu

Mambo Benjamini akataurira vanhu kuti vatende muna Mwari. Aida kuti vazive kuti Mwari vakanga vasika zvinhu zvose uye kuti vakachenjera uye vane simba.

Mufananidzo
mhuri ichinamata

Mambo Benjamini akataurira vanhu kuti vazvininipise uye vanamate mazuva ose. Aida kuti vanhu vake vagare vachiyeuka Mwari uye vave vakatendeka.

Mufananidzo
Mambo Benjamini achitaura

Akataurira vabereki kuti vasarega vana vavo vachirwa kana kukakavadzana.

Mufananidzo
vabereki vachidzidzisa vana

Akavataurira kuti vadzidzise vana vavo kuti vave vanoteerera uye kuti vadanane nekushandirana.

Mufananidzo
MaNifai achiteerera kuna Mambo Benjamini

Akayambira vanhu kuti vachenjerere zvavaifunga, zvavaitaura, nezvavaiita. Vaifanira kuva vakatendeka uye vachichengeta mirairo kweupenyu hwavo hwese.

Mufananidzo
Mambo Benjamini achitaura kuvanhu

Mambo Benjamini akabvunza vanhu kana vaitenda dzidziso dzake. Vese vakati vaitenda. Mweya Mutsvene wakanga wavashandura, uye vakanga vasisade kutadza.

Mufananidzo
MaNifai achinyemwerera

Vose vakatsidzira, kana kuvimbisa, kuchengeta mirairo yaMwari. Mambo Benjamini akafara.

Mufananidzo
Mambo Benjamini achiropafadza Mosaya

Mambo Benjamini akapa mwanakomana wake Mosaya mvumo yekuva mambo mutsva. Mushure memakore matatu Mambo Benjamini akafa.

Mufananidzo
Mosaya achishanda

Mosaya akanga ari mambo akarurama. Akashanda nesimba uye akashandira vanhu vake, sezvakaita baba vake.