Scripture Stories
Chitsauko 22: Basa raAruma kuAmonaiha


Chitsauko 22

Basa raAruma kuAmonaiha

Mufananidzo
Aruma naNifaiha

Aruma akashushikana pamusoro peuipi hwemaNifai, naizvozvo akasarudza kupedza nguva yake yose achiparidza vhangeri. Akasarudza Nifaiha kuti atore chinzvimbo chake semutongi mukuru.

Mufananidzo
Aruma akagara pasi

Aruma akadzidzisa vhangeri munyika yose. Apo paakaedza kuparidza muAmonaiha, vanhu vakaramba kuteerera. Vakamudzingira kunze kweguta.

Mufananidzo
Aruma

Aruma akasuwa nekuti vanhu veAmonaiha vakanga vakaipa zvikuru. Aruma akabva akaenda kune rimwe guta.

Mufananidzo
Ngirozi ichitaura naAruma

Ngirozi yakazviratidza uye ikanyaradza Aruma. Ngirozi yakamutaurira kuti adzokere kuAmonaiha, uye anoparidza zvakare . Aruma akadzokera nokukurumidza.

Mufananidzo
Aruma achikumbira mumwe murume zvokudya

Aruma akanga ava nenzara. Zvaaipinda muguta, akakumbira mumwe murume zvokudya. Ngirozi yaIshe yakange yataurira murume uyu kuti Aruma aizouya uye kuti Aruma aive muporofita waMwari.

Mufananidzo
Amureki achipa Aruma zvokudya

Murume uyu, Amureki, akaenda naAruma kumba kwake uye akamupa zvokudya. Aruma akagara naAmureki nemhuri yake kwemazuva mazhinji. Akatenda Mwari nemhuri yaAmureki uye akavaropafadza.

Mufananidzo
Aruma naAmureki vachitaura

Aruma akataurira Amureki pamusoro pedaidzo yake yekuti adzidzise vanhu vemuAmonaiha. Amureki akaenda naAruma kunodzidzisa vanhu. Mweya Mutsvene wakavabatsira.

Mufananidzo
Aruma achiparidza

Aruma akataurira vanhu kuti vatendeuke kana kuti, Mwari vaizovaparadza. Akati Jesu Kristu aizouya kuzonunura avo vane rutendo maari uye vakatendeuka.

Mufananidzo
vanhu vakashatirirwa Aruma

Vanhu vemuAmonaiha vakashatirwa. Vakaedza kukanda Aruma mutirongo, asi Ishe vakamudzivirira.

Mufananidzo
Amureki naAruma vachidzidzisa

Zvino Amureki akatanga kudzidzisa. Vanhu vazhinji vaiziva Amureki; akanga asiri mutorwa sezvaiva zviri Aruma. Akavataurira pamusoro pengirozi iyo yaakange aona.

Mufananidzo
Amureki naAruma

Amureki akati Aruma aive muporofita waMwari uye aitaura chokwadi. Vanhu vakashamiswa kunzwa uchapupu hwaAmureki.

Mufananidzo
Ziziromu aina Amureki naAruma

Vamwe vanhu vakashatirwa, kunyanya mumwe murume akaipa ainzi Ziziromu. Vakaedza kuwanikidza Amureki nemibvunzo, asi akavataurira kuti aiziva pamusoro pechirongwa chavo.

Mufananidzo
Ziziromu achitaura kunaAruma

Ziziromu aida kuparadza zvose zvakanga zvakanaka. Aikonzera matambudziko, zvino vanhu vaizomubhadhara mari kuti agadzirise matambudziko aanenge akonzera.

Mufananidzo
Ziziromu aina Amureki naAruma

Ziziromu akatadza kuwanikidza Amureki, naizvozvo akada kumupa mari kuti ati hakuna Mwari. Amureki aiziva kuti Mwari vanorarama uye akati Ziziromu aizvizivawo asi aida mari zvakanyanya kupfuura Mwari.

Mufananidzo
Ziziromu nevamwe

Zvino Amureki akadzidzisa Ziziromu pamusoro paJesu uye pamusoro poKumuka Kuvakafa neupenyu husingaperi. Vanhu vakashamiswa. Ziziromu akatanga kubvunda nekutya.

Mufananidzo
Aruma achidzidzisa Ziziromu

Ziziromu aiziva kuti Aruma naAmureki vaive nesimba raMwari nokuti vaiziva pfungwa dzake. Ziziromu aibvunza mibvunzo uye achiteerera apo Aruma paaimudzidzisa vhangeri.

Mufananidzo
mhuri ichiverenga magwaro matsvene

Vamwe vanhu vakatenda Aruma naAmureki uye vakatanga kutendeuka nekunzvera magwaro matsvene.

Mufananidzo
Aruma naAmureki vakasungwa

Asi vanhu vazhinji vaida kuuraya Aruma naAmureki. Vakasunga varume vaviri ava uye vakaenda navo kumutongi mukuru.

Mufananidzo
Ziziromu achidzivirira Aruma naAmureki.

Ziziromu akava neurombo hwekuti akange akaipa uye akadzidzisa vanhu zvemanyepo. Akateterera vanhu kuti varegere Aruma naAmureki vaende.

Mufananidzo
vatendi vachidzingirwa kunze

Ziziromu nevamwe varume avo vaitenda zvidzidzo zvaAruma naAmureki vakadzingirwa kunze kweguta. Vanhu vakaipa vakavatema nemabwe.

Mufananidzo
varume vachipisa vakadzi nemagwaro matsvene

Vanhu vakaipa vakaunganidza vakadzi nevana vaitenda uye vakavakanda, pamwechete nemagwaro matsvene avo, mumoto.

Mufananidzo
Aruma naAmureki vachitarisa kumoto

Aruma naAmureki vakamanikidzwa kuti vatarise vakadzi nevana vachifa mumoto. Amureki aida kushandisa simba raMwari kuti avaponese.

Mufananidzo
Aruma achitaura kuna Amureki

Asi Aruma akataurira Amureki kuti akange asingazomisa kuuraiwa kwevanhu kwaiitika nokuti vanhu vaifa vaizova naMwari muchinguva chidiki uye vanhu vakaipa vaizorangwa.

Mufananidzo
Aruma achirohwa mbama

Mutongi mukuru akarova Aruma naAmureki mbama kakawanda uye akavanyomba nokuti vakange vasina kuponesa vakadzi nevana vaitsva. Zvino akavakanda mutirongo.

Mufananidzo
Aruma naAmureki vari mutirongo

Vamwe varume vakaipa vakauya kutirongo vakarwadzisa Aruma naAmureki nenzira dzakawanda, kusanganisira kuvanyima zvokudya nekuvasvipira.

Mufananidzo
mutongi mukuru ainaAruma naAmureki

Mutongi mukuru akati kana Aruma naAmureki vakashandisa simba raMwari kuzvisunungura, aizotenda. Akavarova mbama zvakare.

Mufananidzo
Aruma naAmureki vachinamata

Aruma naAmureki vakasimuka. Aruma akanamata akakumbira Mwari kuti vavaite kuti vave vakasimba nekuda kwerutendo rwavo muna Kristu.

Mufananidzo
Aruma naAmureki vachidambura tambo

Simba raMwari rakazadza Aruma naAmureki, uye vakadambura tambo dzakanga dzakavasunga. Varume vakaipa vakatya vakaedza kutiza asi vakawira pasi.

Mufananidzo
madziro etirongo achiwira pasi

Pasi pakazungunuka, uye madziro etirongo akawira pavarume vakaipa. Ishe vakadzivirira Aruma naAmureki uye havana kukuvara.

Mufananidzo
Aruma naAmureki vachifamba kubuda mutirongo rakanga raputsika kuita murwi pasi

Vanhu vemuAmonaiha vakauya kuzoona zvakanga zvichiitika. Pavakaona Aruma naAmureki vachifamba vachibuda kubva mutorongo yakapwanyika, vakakatya uye vakatiza.

Mufananidzo
Aruma naAmureki

Ishe vakataurira Aruma naAmureki kuti vaende kuSidhomu. Ikoko vakawana vanhu vakarurama. Ziziromu aivekowo uye akanga achirwara zvikuru.

Mufananidzo
Aruma achiropafadza Ziziromu

Ziziromu akafara kuona Aruma naAmureki. Akanga achishushikana kuti vakanga vaurayiwa nekuda kwezvaakanga aita. Akavakumbira kuti vamuporese.

Mufananidzo
Ziziromu

Ziziromu akatenda muna Jesu Kristu uye akanga atendeuka kubva muzvivi zvake. Apo Aruma paakamunamatira, Ziziromu akabva aporeswa ipapo.

Mufananidzo
Ziziromu achibhabhatidzwa

Ziziromu akabhabhatidzwa uye akatanga kuparidza vhangeri. Vamwe vanhu vazhinji vakabhabhatidzwawo.

Mufananidzo
vanhu vakafa vari pamugwagwa

Vanhu vakaipa vemuAmonaiha vakaurawa nemauto echiRamani, sekuporofita kwakanga kwakaitwa naAruma.