Scripture Stories
Chitsauko 38: Kupondwa kweMutongi Mukuru


Chitsauko 38

Kupondwa kweMutongi Mukuru

Mufananidzo
MaNifai akaipa achitaura

Varume vakaipa vakanga vava vatongi kumaNifai. Vairanga vanhu vakarurama asi kwete vanhu vakaipa.

Mufananidzo
Nifai

Nifai akasuwa kuona huipi hwakawanda kudaro pakati pevanhu.

Mufananidzo
nzira inoenda muZarahemura

Rimwe zuva akanga achinamata ari panharire mubindu rake. Bindu rake rakanga riri panzira huru yaienda kunzvimbo yemusika muZarahemura.

Mufananidzo
Nifai achinamata

Vanhu vaipfuura nemunzira huru vakanzwa Nifai achinamata. Boka guru rakaungana, vachishamisika kuti sei akanga akasuwa kudaro.

Mufananidzo
Nifai achitaura nevanhu

Apo Nifai paakaona vanhu, akavaudza kuti akanga akasuwa nokuda kwehuipi hwavo. Akavaudza kuti vatendeuke.

Mufananidzo
MaNifai vachiteerera kuna Nifai

Akavayambira kuti kana vakasatendeuka, vavengi vavo vaizotora dzimba dzavo nemaguta avo uye Ishe havaizovabatsira kurwisa vavengi vavo.

Mufananidzo
Nifai achitaura

Nifai akati maNifai akanga akaipa kupfuura maRamani nokuda kwekuti maNifai akanga adzidziswa mirairo asi akanga asingaiteereri.

Mufananidzo
Nifai achitaura

Akati kana maNifai vakasatendeuka, vaizoparadzwa.

Mufananidzo
vanhu vakashatirwa

Vamwe vevatongi vakaipa vaivapo. Vaida kuti vanhu varange Nifai nokuda kwekutaura achivapikisa ivo nemitemo yavo

Mufananidzo
varume vachikakavadzana

Vamwe vevanhu vakabvumirana nevatongi vakaipa. Vamwe vakatenda zvaitaurwa naNifai, vaiziva kuti akanga ari muporofita uye kuti aitaura chokwadi.

Mufananidzo
Nifai achitaura

Nifai akataurira vanhu kuti vakanga vapandukira Mwari uye nechinguva chipfupi vaizorangwa kana vakasatendeuka.

Mufananidzo
Nifai achinongedzera

Nifai akataurira vanhu kuti vaende vanotsvaga mutongi mukuru wavo. Aizenge akarara muropa rake, apondwa nemunin’ina uyo aida chinzvimbo chake

Mufananidzo
varume vachimhanya

Varume vashanu kubva mumhomho vakamhanya kunoona mutongi mukuru. Havana kutenda kuti Nifai aiva muporofita waMwari.

Mufananidzo
mutongi mukuru akafa

Pavakaona Sizoramu, mutongi mukuru, arere muropa rake, vakawira pasi nekutya. Zvino vakanga voziva kuti Nifai aiva muporifita.

Mufananidzo
varume vachinongedzera

Varanda vaSizoramu vakanga vatowana mutongi mukuru uye vakanga vamhanya kunotaurira vanhu. Vakadzoka uye vakawana varume vashanu vakararapo.

Mufananidzo
varume vakashatirwa

Vanhu vakafunga kuti varume vashanu ava vakanga vaponda Sizoramu.

Mufananidzo
varume vachitaura

Vakakanda varume vashanu ava mutirongo uye vakatuma shoko nemuguta rose kuti mutongi mukuru akanga aurawa uye kuti mhondi dzacho dzakanga dziri mutirongo.

Mufananidzo
varume vachitaura

Zuva rakatevera vanhu vakaenda kwaizovigwa mutongi mukuru. Vatongi vakanga vari pabindu raNifai vakabvunza kuti varume vashanu vakanga vari kupi.

Mufananidzo
vatongi vachitaura

Vatongi vakakumbira kuona varume vakanga vanzi ndivo mhondi.

Mufananidzo
varume pamberi pavatongi

Varume vakanga vanzi imhondi vaiva varume vashanu avo vakanga vamhanya kubva mubindu raNifai kuenda kwaiva nemutongi mukuru.

Mufananidzo
varume pamberi pemutongi mukuru

Varume vashanu vakati vakanga vawana mutongi mukuru akarara muropa, sezvakanga zvataurwa naNifai. Zvino vatongi vakapomera Nifai mhosva yekutuma mumwe munhu kunoponda Sizoramu.

Mufananidzo
varume vashanu vakasungwa

Vachiziva kuti Nifai aiva muporofita, varume vashanu ava vakakakavadzana nevatongi, asi vatongi vakaramba kuteerera. Vakaita kuti Nifai asungwe.

Mufananidzo
vatongi vachitaura kuna Nifai

Vatongi vakati vaizopa Nifai mari uye upenyu hwake kana akataura kuti akanga arangana nemumwe kuuraya mutongi mukuru.

Mufananidzo
Nifai akasungwa

Nifai akataurira vatongi kuti vatendeuke kubva muhuipi hwavo. Zvino akavataurira kuti vaende kuna Seandamu, munin’ina waSizoramu.

Mufananidzo
vatongi vachitaura naSeandamu

Nifai akavataurira kuti vabvunze Seandamu kana iye naNifai vakanga varangana kuponda Sizoramu. Nifai akati Seandumu aizoti “kwete”

Mufananidzo
varume vachibata nokukakata nguvo yaSeandamu

Zvino vatongi vakanga vachifanira kubvunza Seandamu kana akanga auraya mukoma wake. Seandamu zvakare aizoti “kwete,” asi vatongi vaizowana ropa panhumbi yake.

Mufananidzo
Seandamu

Nifai akati Seandamu zvino aizodedera uye uso hwake huchacheneruka uye achareurura kuti akauraya mukoma wake.

Mufananidzo
Seandamu achitorwa kuendwa naye

Vatongi vakaenda kumba kwaSeandamu, uye zvose zvakaitika sekutaura kwakanga kwaita Nifai kuti zvichaitika. Nifai nevarume vashanu vakasunungurwa.

Mufananidzo
Nifai

Apo vanhu pavaifamba vachibva pana Nifai, vamwe vakati aiva muporofita; vamwe vakati akanga ari mwari. Nifai akaenda kumba achakasuwa pamusoro pehuipi hwavo.