Scripture Stories
Chitsauko 27: Koriho


Chitsauko 27

Koriho

Mufananidzo
Koriho achifamba

Mumwe murume ainzi Koriho akauya muZarahemura. Akanga asingatendi muna Jesu Kristu uye aiparidza kuti izvo zvakanga zvataurwa nevaporofita pamusoro peMuponesi zvaive zvisiri zvechokwadi.

Mufananidzo
Koriho achidzidzisa vanhu

Koriho akataurira vanhu kuti vaive mapenzi kutenda kuti Jesu aizouya panyika uye kuti aizotambudzikira zvivi zvavo.

Mufananidzo
vakomana vachiita zvivi

Akati vanhu havaizorangwa nokuda kwezvivi zvavo nokuti kwakanga kusina upenyu mushure merufu. Vanhu vazhinji vakatenda Koriho. Vakave vakaipa.

Mufananidzo
Koriho

Koriho akaedza kuparidzira vanhu vaAmoni, asi havana kumuteerera. Vakamusunga uye vakaenda naye kuna Amoni, uyo akamumanikidza kuti abude muguta.

Mufananidzo
Koriho achiburitswa

Koriho akaenda kunyika yaGideoni, asi vanhu veko havanawo kumuteerera. Mutongi mukuru akamutumira kuna Aruma.

Mufananidzo
Aruma naKoriho

Aruma akabvunza Koriho kana aitenda munaMwari. Koriho akati akanga asingatendi. Aruma akapupura kuti kuna Mwari uye kuti Kristu achauya.

Mufananidzo
Koriho naAmoni

Koriho aida kuti Aruma aite chishamiso chaizoratidza kuti kuna Mwari. Koriho akati aizotenda muna Mwari kana akange aona chiratidzo chesimba raMwari.

Mufananidzo
Aruma akabata magwaro matsvene

Aruma akataurira Koriho kuti akanga atoona zviratidzo zvakawanda zvesimba raMwari kuburikidza nemagwaro matsvene uye neuchapupu hwevaporofita vose.

Mufananidzo
Aruma achitaura naKoriho

Aruma akati nyika nezvinhu zvose zviri pairi uye nokufamba kwenyika dziri mudenga zviratidzowo zvekuti kuna Mwari.

Mufananidzo
Koriho naAruma

Koriho akanga achiri kungoramba kuzvitenda. Aruma akasuwa nekuda kweuipi hwaKoriho uye akamuyambira kuti mweya wake waigona kuparadzwa.

Mufananidzo
Aruma akabata magwaro matsvene

Koriho akanga achirikuda chiratidzo chairatidza kuti kuna Mwari. Aruma akati chiratidzo chaibva kuna Mwari chaiva chekuti Koriho aisazokwanisa kutaura.

Mufananidzo
Koriho

Mushure mekunge Aruma ataura izvi, Koriho akatadza kutaura.

Mufananidzo
Koriho achinyora muvhu

Koriho akanyora kuti aiziva kuti chiratidzo ichi chaibva kuna Mwari uye kuti akanga agara achiziva kuti kuna Mwari. Akakumbira Aruma kuti anamate uye kuti abvise chituko.

Mufananidzo
Aruma achitaura

Aruma aiziva kuti kana Koriho akakwanisa kutaura aizonyepa zvakare kuvanhu. Aruma akati Ishe vaizosarudza kana Koriho aizotaura zvekare.

Mufananidzo
Koriho achikumbira zvekudya

Ishe havana kudzorera kwaniso yekutaura kuna Koriho. Koriho akafamba imba nemba, achipemha zvekudya.

Mufananidzo
mutongi mukuru achinyora tsamba

Mutongi mukuru akatumira tsamba nemunyika yose achitaura zvakanga zvaitika kuna Koriho. Akataurira avo vakanga vatenda mazwi aKoriho kuti vatendeuke. Vanhu vakatendeuka.

Mufananidzo
Koriho akafa ari pasi

Koriho akaenda kunogara nemaZoramu. Rimwe zuva apo paaipemha, akatsikwa-tsikwa kusvika afa.