Scripture Stories
Chitsauko17: Aruma neVanhu Vake Vanopukunyuka


Chitsauko17

Aruma neVanhu Vake Vanopukunyuka

Mufananidzo
vanhu vachishanda mumunda

Rimwe rezuva apo vanhu vaAruma pavaishanda muminda yavo, mauto echiRamani akayambuka muganhu akapinda munyika yavo.

Mufananidzo
Aruma achitaura kuvanhu

MaNifai akatya uye vakamhanyira kuguta kuti vadzivirirwe. Aruma akavataurira kuti varangarire Mwari uye vaizovabatsira. MaNifai vakatangisa kunamata.

Mufananidzo
Aruma achitaura kumaRamani

Ishe vakapfavisa mwoyo yamaRamani, uye havana kukuvadza maNifai. MaRamani vakange varasika apo pavaiedza kuwana vanhu vaMambo Rimuhai.

Mufananidzo
Aruma achiratidza maRamani nzira yekudzokera kumusha

MaRamani akavimbisa Aruma kuti havaizonetsa vanhu vake kana akavaudza nzira yekudzokera nayo kunyika yavo. Aruma akavaratidza nzira.

Mufananidzo
MaRamani achirinda vanhu vaAruma

Asi maRamani haana kuchengeta chivimbiso chavo. Vakaisa varindi vachitenderedza nyika, uye Aruma nevanhu vake vakange vasisina kusununguka.

Mufananidzo
Amuroni achitaura nemurindi wechiRamani

Mambo wemaRamani akaita kuti Amuroni ave mutongi pamusoro pavanhu vaAruma. Amuroni akanga ambove muNifai uye aive mupirisita akaipa waMambo Noa.

Mufananidzo
Amuroni achitarisa vanhu vachishanda

Amuroni akaita kuti vanhu vaAruma vashande zvakasimba zvikuru. Vakanamatira rubatsiro, asi Amuroni akati ani nani zvake anenge abatwa achinamata aizourawa. Vanhu vakaramba vachinamata nechemumwoyo yavo.

Mufananidzo
mukomana akatakura tswanda

Mwari vakanzwa minamato yavo uye vakavasimbisa zvokuti basa ravo rakaratidzika serakareruka. Vanhu vakava norufaro uye nemwoyo murefu.

Mufananidzo
Mwari vachitaura naAruma

Mwari vakafadzwa nekuti vanhu vaive vakatendeka. Vakataurira Aruma kuti vaizovabatsira kuti vapukunyuke kubva kumaRamani.

Mufananidzo
Vanhu vaAruma vachipukunyuka

Panguva dzeusiku vanhu vakaunganidza zvokudya nezvipfuyo zvavo. Rungwanani rwaitevera Mwari vakaita kuti maRamani vakotsire apo Aruma nevanhu vake pavaibva muguta.

Mufananidzo
Mambo Mosaya vachigashira Aruma

Mushure mekufamba kwemazuva gumi nemaviri, vanhu vakasvika muZarahemura, uko Mambo Mosaya nevanhu vake vakavagashira.