Scripture Stories
Chitsauko 36: Hagoti


Chitsauko 36

Hagoti

Mufananidzo
MaNifai ari parwendo

Makore angangoita makumi mashanu nemashanu Jesu Kristu asati azvarwa, zviuru zvevarume, vakadzi, nevana vechiNifai vakabva muZarahemura vakafamba vachienda kuchamhembe.

Mufananidzo
Hagoti achivaka ngarava huru

Mumwe wavo, murume ainzi Hagoti, akavaka ngarava huru uye akaiisa mugungwa rekumadokero.

Mufananidzo
MaNifai vachiisa zvinhu mungarava huru

MaNifai mazhinji vakatora zvekudya nezvekushandisa uye vakapinda parwendo vari mungarava vakananga kuchamhembe

Mufananidzo
igwa riri pamvura

Hagoti zvino akavaka dzimwe ngarava idzo dzakatakura vanhu kuenda kunyika yaive nechekuchamhembe. Ngarava yekutanga yakadzoka uye ikatakura vamwe vanhu vakawanda.

Mufananidzo
ngarava mbiri pamvura

Imwezve ngarava yakaendawo parwendo. Hapana yengarava idzi yakadzoka, uye maNifai havana kumbofa vakaziva kuti chii chakaitika kuvanhu ava.